2 Kings 5:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye akati: NaJehova mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handiŋgagamuciri cinhu. Akamugombedzera, kuti agamucire, asi wakaramba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi muprofita akati, “Zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, iye wandinoshumira, handisi kuzogamuchira chinhu.” Kunyange zvazvo Naamani akamugombedzera, iye akaramba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Erisha akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu wandinonamata hapana chandiri kuzogamuchira.” Naamani akamunyengetedza kuti achitore asi iye akaramba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye akati, “NaJehovha mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu.” Akamugombedzera, kuti agamuchire, asi wakaramba.
Shona 2009?
Asi iye akati, "NaJehovha mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu." Akamugombedzera, kuti agamuchire, asi wakaramba.
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye akati, “NaJehovha mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu.” Akamugombedzera, kuti agamuchire, asi wakaramba.