2 Kings 5:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Naamani akati: Kana musiŋgaɗi henyu, muranda wenyu ŋgaapiwe hake mitoro yevu iŋgatakurwa namahesera maʋiri; nokuti kubva ɀino muranda wenyu haaŋgaɓayiri ʋamŋe ʋamŋari cipiriso cinopiswa kana cimŋe ciɓayiro asi Jehova oga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naamani akati, “Ndapota, kana musingadi, muranda wenyu ngaapiwe hake ivhu ringatakurwa namahesera maviri, nokuti muranda wenyu haachambofazve akaita chipiriso chinopiswa nechibayiro kuna vamwe vamwari vapi zvavo asi kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naamani ndokuti, “Kana zvakona ndapota zvangu chiregai zvenyu ini muranda wenyu nditakurirwe namanyurusi mikwende miviri yevhu. Ndinodaro nokuti ini muranda wenyu handichazopira mupiro wokupisa kana chibayiro kune mumwe mwari zvake asi kuna Tenzi chete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Naamani akati, “Kana musingadi henyu, muranda wenyu ngaapiwe hake mitoro yevhu ingatakurwa namahesera maviri; nokuti kubva zvino muranda wenyu haangabayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.
Shona 2009?
Zvino Naamani akati, "Kana musingadi henyu, muranda wenyu ngaapiwe hake mitoro yevhu ingatakurwa namahesera maviri; nokuti kubva zvino muranda wenyu haangabayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Naamani akati, “Kana musingadi henyu, muranda wenyu ngaapiwe hake mitoro yevhu ingatakurwa namahesera maviri; nokuti kubva zvino muranda wenyu haangabayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.