2 Kings 5:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMŋari, akati: Tarirai, tenzi waŋgu wakarega Naamani uyu muSiria, ɀaasina‐kugamucira kwaari caakaŋga aʋuya naco; asi naJehova mupenyu, ndicamhanya, ndikamuteʋera, nditore cinhu kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gehazi muranda waErisha munhu waMwari, akati mumwoyo make, “Tenzi wangu arerutsira zvakanyanya Naamani, muAramu uyu, pakusagamuchira kubva kwaari zvaanga auya nazvo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, ndichamhanya ndimutevere ndigotora chimwe chinhu kwaari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gehazi mushandi womunhu waMwari uya Erisha akazviti, “Ho-o-o tenzi wangu atorega zvake vaNaamani muSiria uya akaenda zvake achirega kugamuchira chipo chaanga auya akabata mumaoko. NaTenzi chaiye mupenyu, regai ndimhanye ndimutevere ndiwane chinhu chandingawane kwaari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMwari, akati, “Tarirai, tenzi wangu wakarega Naamani uyu muSiria, zvaasina kugamuchira kwaari chaakanga auya nacho; asi naJehovha mupenyu, ndichamhanya, ndikamutevera, nditore chinhu kwaari.”
Shona 2009?
Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMwari, akati, "Tarirai, tenzi wangu wakarega Naamani uyu muSiria, zvaasina kugamuchira kwaari chaakanga auya nacho; asi naJehovha mupenyu, ndichamhanya, ndikamutevera, nditore chinhu kwaari."
Shona SUB 2002 Bible
Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMwari, akati, “Tarirai, tenzi wangu wakarega Naamani uyu muSiria, zvaasina kugamuchira kwaari chaakanga auya nacho; asi naJehovha mupenyu, ndichamhanya, ndikamutevera, nditore chinhu kwaari.”