2 Kings 5:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Takafara heɗu tose. Tenzi waŋgu wakandituma, aciti: Tarirai, ɀino‐ɀino majaya maʋiri, ʋanakomana ʋaʋaprofita, ʋakaȿika kwandiri, ʋacibva kunyika yamakomo yaEfraimi; dondipai ʋo tarenta rimŋe resirveri, neŋguʋo mbiri dzakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gehazi akapindura akati, “Kwakanaka. Tenzi wangu andituma achiti, ‘Pane majaya maviri abva kuboka ravaprofita achangosvika kwandiri achibva kunyika yamakomo yaEfuremu. Ndapota, muvape henyu tarenda resirivhac nemhando mbiri dzenguo.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Zvose zvakanaka hazvo. Asi vatenzi vangu ndivo vandituma neshoko rokuti, ‘Ndasvikirwawo iyezvinouno namajaya maviri eboka ravaporofita vokunyika yaEfuremu yemakomo. Dai zvenyu mukapa ivavo zviuru zvitatu zvesirivha nehanzu mbiri dzamachira akanakisisa.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Takafara hedu tose. Tenzi wangu wakandituma, achiti, ‘Tarirai, zvino-zvino majaya maviri, vanakomana vavaporofita, vakasvika kwandiri, vachibva kunyika yamakomo yaEfuremu; dondipaiwo tarenda rimwe resirivha, nenguo mbiri dzakanaka.’ ”
Shona 2009?
Iye akati, "Takafara hedu tose. Tenzi wangu wakandituma, achiti, `Tarirai, zvino-zvino majaya maviri, vanakomana vavaporofita, vakasvika kwandiri, vachibva kunyika yamakomo yaEfuremu; dondipaiwo tarenda rimwe resirivha, nenguvo mbiri dzakanaka.' "
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Takafara hedu tose. Tenzi wangu wakandituma, achiti, ‘Tarirai, zvino–zvino majaya maviri, vanakomana vavaporofita, vakasvika kwandiri, vachibva kunyika yamakomo yaEfuremu; dondipaiwo tarenda rimwe resirivha, nenguo mbiri dzakanaka.’ ”