2 Kings 5:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwaari: Mŋoyo waŋgu hauna‐kuenda newe here ŋguʋa iya murume acidzoka paŋgoro kuzosoŋgana newe? Ko ndiyo ŋguʋa yokugamucira mari, nokugamucira ŋguʋo, neminda yemiorivi, neminda yemizambiriŋga, namakwai nenzombe, naʋaranda naʋarandakadzi here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Erisha akati kwaari, “Mweya wangu wanga usinewe here paburuka murume mungoro yake kuti azosangana newe? Ko, ino inguva yokutora mari kana kugamuchira nguo, neminda yemiorivhi, neyemizambiringa, namakwai, nemombe, kana varandarume navarandakadzi here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Erisha akati, “Tanga tisiri tose here mumweya newe padzoka murume uya mungoro yake yehondo kuzosangana newe? Ndonguva here iyoyi yokugamuchira mari nehanzu neminda yemagirepisi neminda yemivhaini nehwai nemombe navaranda vechikadzi nevechirume?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwaari, “Mwoyo wangu hauna kuenda newe here nguva iya murume achidzoka pangoro kuzosangana newe? Ko ndiyo nguva yokugamuchira mari, nokugamuchira nguo, neminda yemiorivhi, neminda yemidzambiringa, namakwai nenzombe, navaranda navarandakadzi here.
Shona 2009?
Iye akati kwaari, "moyo wangu hauna kuenda newe here nguva iya murume achidzoka pangoro kuzosangana newe? Ko ndiyo nguva yokugamuchira mari, nokugamuchira nguvo, neminda yemiorivhi, neminda yemizambiringa, namakwai nenzombe, navaranda navarandakadzi here.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwaari, “Mwoyo wangu hauna kuenda newe here nguva iya murume achidzoka pangoro kuzosangana newe? Ko ndiyo nguva yokugamuchira mari, nokugamuchira nguo, neminda yemiorivhi, neminda yemizambiringa, namakwai nenzombe, navaranda navarandakadzi here.