2 Kings 5:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaenda neŋwadi kunamambo waIsraeri, yakaŋga iciti: Ɀino kana ŋwadi iyi iciȿika kwamuri, muziʋe kuti ndatuma Naamani muranda waŋgu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tsamba yaakaenda nayo kuna mambo weIsraeri yaiti: “Ndatuma muranda wangu Naamani netsamba iyi kuti umurape maperembudzi ake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaenda norugwaro rwacho kuna mambo wokwaIsiraeri rwaiti: “Rugwaro urwu rwasvika kwamuri nderwokukuzivisai kuti ndatumirako gurukota rangu Naamani kuti mumurapewo maperembudzi ake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaenda nen’gwadhi kuna mambo weIsiraeri, yakanga ichiti, “Zvino kana n’gwadhi iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.”
Shona 2009?
Akaenda nemwadhi kuna mambo waIsiraeri, yakanga ichiti, "Zvino kana mwadhi iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake."
Shona SUB 2002 Bible
Akaenda netsamba kuna mambo weIsiraeri, yakanga ichiti, “Zvino kana tsamba iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.”