2 Kings 5:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo waIsraeri wakati araʋa ŋwadi iyo, akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Asi ndini Mŋari kanhi? Ndinoziʋa kuʋuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu ɀaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fuŋgai, muʋone, kuti unotȿaka kurwa neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weIsraeri akati achangopedza kuverenga tsamba iyi, akabvarura nguo dzake akati, “Ndini Mwari here? Ndinogona kuuraya nokuraramisa here? Sei murume uyu atuma munhu kwandiri kuti azorapwa maperembudzi ake. Onai kuti anoedza sei kutsvaka bopoto neni!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo wokwaIsiraeri paakaverenga rugwaro irworwu akabvarura hanzu dzake akati, “Ndiri Mwari here anouraya nokupawo upenyu wokuti muchinda uyu anganditumire shoko rokuti ini ndirape munhu maperembudzi ake? Maonawoka kuti uku kutsvaka kupopotedzana neni chete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo weIsiraeri wakati arava n’gwadhi iyo, akabvarura nguo dzake, akati, “Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni.”
Shona 2009?
Zvino mambo waIsiraeri wakati arava mwadhi iyo, akabvarura nguvo dzake, akati, "Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo weIsiraeri wakati arava tsamba iyo, akabvarura nguo dzake, akati, “Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni.”