2 Kings 5:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Erisha munhu waMŋari, wakati acinzwa kuti mambo waIsraeri wabvarura ŋguʋo dzake, akatuma shoko kunamambo, akati: Mabvarurireiko ŋguʋo dzenyu? Ŋgaaʋuye hake ɀino kwandiri, aziʋe kuti muprofita uri’po pakati paIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Erisha munhu waMwari, akati anzwa kuti mambo weIsraeri abvarura nguo dzake, akamutumira shoko akati, “Mabvarurireiko nguo dzenyu? Regai murume uyo auye kwandiri uye achaziva kuti muIsraeri mune muprofita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi pakanzwa munhu waMwari Erisha kuti mambo wokwaIsiraeri akanga abvarura hanzu dzake akatumira mambo shoko rokuti, “Madarireiko kubvarura hanzu dzenyu? Regai zvenyu auye kwandiri kuno iye zvino azoziva kuti muIsiraeri mune muporofita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo weIsiraeri wabvarura nguo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, “Mabvarurireiko nguo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri.”
Shona 2009?
Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo waIsiraeri wabvarura nguvo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, "Mabvarurireiko nguvo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo weIsiraeri wabvarura nguo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, “Mabvarurireiko nguo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri.”