2 Kings 6:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo waIsraeri akatuma ʋanhu ikoko kwaakaʋudzwa nokunyeʋerwa nomunhu waMŋari, akaɀiŋgwarira’po asiŋgaɗaro kamŋe nakaʋiri ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo mambo weIsraeri akatumira vanhu kunzvimbo iyoyo yaakanga aratidzwa nomunhu waMwari, kuti vandoiongorora. Nguva nenguva Erisha aiyambira mambo, kuti achenjerere nzvimbo dzakadaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo wokwaIsiraeri akatumira nhume kunzvimbo kwaakanga ataurirwa nomunhu waMwari uya. Ikoku ndokumubayira zani kwaaiita zvokuti akatozviponesa ruviri kana kuti rutatu rwese.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo weIsiraeri akatuma vanhu ikoko kwaakaudzwa nokunyeverwa nomunhu waMwari, akazvingwarirapo asingadaro kamwe nakaviri bedzi.
Shona 2009?
Ipapo mambo waIsiraeri akatuma vanhu ikoko kwaakaudzwa, nokunyeverwa nomunhu waMwari, akazvingwarirapo asingadaro kamwe nakaviri bedzi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo weIsiraeri akatuma vanhu ikoko kwaakaudzwa nokunyeverwa nomunhu waMwari, akazvingwarirapo asingadaro kamwe nakaviri bedzi.