2 Kings 6:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo mŋoyo wamambo weSiria ukadzianiswa kwaɀo pamsoro pecinhu ici; akaɗana ʋaranda ʋake, akati kwaʋari: Hamuŋgandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo waIsraeri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi zvakatsamwisa mambo weAramu. Akadana vabati vake akati kwavari, “Hamungandiudzewo here kuti pakati pedu ari kurutivi rwamambo weIsraeri ndiani?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvi izvi zvakashungurudza mwoyo kwazvo mambo weSiria akadaidza makurukota ake akaati, “Hamungandiratidzewo here mumwe wedu ane rimwe namambo wokwaIsiraeri?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo mwoyo wamambo weSiria akanyaniswe kwazvo pamusoro pechinhu ichi; akadana varanda vake, akati kwavari, “Hamungandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo weIsiraeri?”
Shona 2009?
Naizvozvo moyo wamambo weSiria wakanyauswa kwazvo pamusoro pechinhu ichi; akadana varanda vake, akati kwavari, "Hamungandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo waIsiraeri?"
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo mwoyo wamambo weSiria wakakanganisika kwazvo pamusoro pechinhu ichi; akadana varanda vake, akati kwavari, “Hamungandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo weIsiraeri?”