2 Kings 6:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe waʋaranda ʋake akati: Kwete, ishe waŋgu mambo, asi Erisha muprofita, uri pakati paIsraeri, ndiye unoʋudza mambo waIsraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavabati vake akati, “Pakati pedu hapana, ishe wangu mambo, asi Erisha, muprofita ari muIsraeri ndiye anoudza mambo weIsraeri mashoko chaiwoiwo amunotaura muimba yenyu yokurara.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rimwe gurukota rake rakati, “Changamire mambo, hapana, asi kutoti Erisha muporofita womuIsiraeri ndiye anonyevera mambo wokwaIsiraeri zvamunotaura imi kunyange muri mumba menyu mokurara chaimo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe wavaranda vake akati, “Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita, ari pakati peIsiraeri, ndiye unoudza mambo weIsiraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati.”
Shona 2009?
Mumwe wavaranda vake akati, "Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita, ari pakati paIsiraeri, ndiye unoudza mambo waIsiraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati."
Shona SUB 2002 Bible
Mumwe wavaranda vake akati, “Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita, ari pakati peIsiraeri, ndiye unoudza mambo weIsiraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati.”