2 Kings 6:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muranda womunhu waMŋari wakati amuka maŋgwanani, akaɓuɗa, ndokuʋona hondo namabiza neŋgoro ɀakakomba guta. Muranda wake akati kwaari: Haiwa! tenzi waŋgu, ticaɗiniko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muranda womunhu waMwari akati amuka mangwanani aitevera, akabuda panze akaona hondo namabhiza nengoro zvakomba guta. Muranda wake akati, “Haiwa ishe wangu, tichaita seiko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti ava mangwanani mushandi womunhu waMwari akafumomuka akabuda, onei guta rakakombwa nehondo yavarwi nengoro dzehondo dzamabhiza. Mushandi uya akati, “Tapera changamire! Todiiko?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, “Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?”
Shona 2009?
Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, "Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, “Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?”