2 Kings 6:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaciɓurukira kwaari, Erisha akanyeŋgetera kunaJehova, akati: Ƌoroʋai ʋanhu aʋa noʋupofu. Jehova akaʋaroʋa noʋupofu, seɀakaŋga ɀarebga naErisha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vavengi pavakaburuka kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha akati, “Pofumadzai vanhu ava.” Naizvozvo akavapofumadza sezvakanga zvakumbirwa naErisha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaSiria pavakamudzikira ikoko, Erisha akanamata kuna Tenzi achiti, “Imbondiroveraiwo vanhu ava nechidzimira.” Akavarova nechidzimira maererano nomunamato waErisha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, “Dorovai vanhu ava noupofu.” Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha.
Shona 2009?
Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, "Dorovai vanhu ava noupofu." Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, “Dorovai vanhu ava noupofu.” Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha.