2 Kings 6:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋaȿika Samaria, Erisha akati: Jehova, ȿinudzai meso aʋanhu aʋa, ʋaʋone. Jehova akaȿinudza meso aʋo, ʋakaʋona kuti ʋaʋa mukati meSamaria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokupinda kwavo muguta, Erisha akati, “Jehovha, svinudzai meso avarume ava kuti vaone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso avo vakatarira, onei, vava muSamaria.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachangoti pindei muSamaria, Erisha akati, “Nhai Tenzi chipengenutsai vanhu ava meso kuti vachiona.” Tenzi ndokupengenutsa meso avo vakabva vava kuona, vakatenge vava mukati meSamaria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vasvika Samaria, Erisha akati, “Jehovha, svinudzai meso avanhu ava, vawone.” Jehovha akasvinudza meso avo, vakaona kuti vava mukati meSamaria.
Shona 2009?
Vakati vasvika Samaria, Erisha akati, "Jehovha, svinudzai meso avanhu ava, vawone." Jehovha akasvinudza meso avo, vakaona kuti vava mukati meSamaria.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vasvika Samaria, Erisha akati, “Jehovha, svinudzai meso avanhu ava, vawone.” Jehovha akasvinudza meso avo, vakaona kuti vava mukati meSamaria.