2 Kings 6:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo waIsraeri wakati aciʋaʋona, akati kunaErisha: Ƃaɓa ʋaŋgu, ndoʋaʋuraya here? Ndoʋaʋuraya here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weIsraeri akati achivaona, akabvunza Erisha akati, “Ndivauraye here, baba vangu? Ndovauraya here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo wokwaIsiraeri achivaona akati kuna Erisha, “Ndovauraya here nhai baba? Ndovauraya here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo weIsiraeri wakati achivaona, akati kuna Erisha, “Baba vangu, ndovauraya here? Ndovauraya here?”
Shona 2009?
Zvino mambo waIsiraeri wakati achivaona, akati kuna Erisha, "Baba vangu, ndovauraya here? Ndovauraya here?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo weIsiraeri wakati achivaona, akati kuna Erisha, “Baba vangu, ndovauraya here? Ndovauraya here?”