2 Kings 6:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akapindura, akati: Usaʋaʋuraya; ko uŋgaʋuraya ʋawakatapa nomunondo wako noʋuta bgako here? Gadzika ciŋgwa nemvura pamberi paʋo, ʋadye, ʋanwe, ʋaende kunatenzi waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamupindura akati, “Musavauraya. Hamungazouraya vanhu vamunenge makatapa nomunondo wenyu kana uta hwenyu here? Vaisirei zvokudya nemvura pamberi pavo kuti vadye uye vanwe vagodzokera kuna tenzi wavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akapindura achiti, “Regai kuvauraya! Mungauraye here nhapwa dzamunenge zvenyu matapa namapakatwa enyu nouta hwenyu? Vapei zvenyu chokudya nemvura vadye, vanwe vaende zvavo kuna tenzi wavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akapindura, akati, “Usavauraya; ko ungavauraya vawakatapa nomunondo wako nouta hwako here? Gadzika chingwa nemvura pamberi pavo, vadye, vanwe, vaende kuna tenzi wavo.”
Shona 2009?
Iye akapindura, akati, "Usavauraya; ko ungavauraya vawakatapa nomunondo wako nouta hwako here? Gadzika chingwa nemvura pamberi pavo, vadye, vamwe, vaende kuna tenzi wavo."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akapindura, akati, “Usavauraya; ko ungavauraya vawakatapa nomunondo wako nouta hwako here? Gadzika chingwa nemvura pamberi pavo, vadye, vanwe, vaende kuna tenzi wavo.”