2 Kings 6:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akaʋagadzirira ɀokudya ɀizhinji; ɀino ʋakati ʋadya nokunwa, akaʋaendisa, ʋakadzokera kunatenzi waʋo. Ɀino hondo dzaʋaSiria hadzina‐kuzopinda ɀe munyika yaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo akavagadzirira mabiko makuru, uye vakati vapedza kudya nokunwa akavaendesa, ivo vakadzokera kuna tenzi wavo. Naizvozvo mapoka avapambi vokuAramu akarega zvokupamba nyika yeIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo akavaitira mabiko makuru kwazvo. Kuzoti vadya vanwa, akavaperekedza vakabva vadzokera kuna tenzi wavo. VaSiria ndokubvawo vapfidza kuita zvokupamba munyika yokwaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akavagadzirira zvokudya zvizhinji; zvino vakati vadya nokunwa, akavaendisa, vakadzokera kuna tenzi wavo. Zvino hondo dzavaSiria hadzina kuzopindazve munyika yeIsiraeri.
Shona 2009?
Iye akavagadzirira zvokudya zvizhinji; zvino vakati vadya nokumwa, akavaendisa, vakadzokera kuna tenzi wavo. Zvino hondo dzavaSiria hadzina kuzopindazve munyika yaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akavagadzirira zvokudya zvizhinji; zvino vakati vadya nokunwa, akavaendisa, vakadzokera kuna tenzi wavo. Zvino hondo dzavaSiria hadzina kuzopindazve munyika yeIsiraeri.