2 Kings 6:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe akati: Tinokumbira kuti imi mutende kuenda ʋo naʋaranda ʋenyu. Akapindura, akati: Ndicaenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mumwe wavo akati, “Ndapota, ko, imi hamungaendiwo navaranda venyu here?” Erisha akati, “Ndinoenda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe wavo akabva ati, “Dai mukaendawo pamwechete nesu varanda venyu!” Erisha akapindurawo achiti, “Ndinoendawo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe akati, “Tinokumbira kuti imi mutende kuendawo navaranda venyu.” Akapindura akati, “Ndichaenda.”
Shona 2009?
Zvino mumwe akati, "Tinokumbira kuti imwi mutende kuendawo navaranda venyu." Akapindura akati, "Ndichaenda."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe akati, “Tinokumbira kuti imi mutende kuendawo navaranda venyu.” Akapindura akati, “Ndichaenda.”