2 Kings 6:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Erisha wakaŋga agere mumba make, ʋakuru ʋagere ʋo naye; mambo akatuma munhu kuzomutuŋgamirira; asi nhume icigere kuȿika kwaari, akati kuʋakuru: Munoʋona here kuti mŋana uyu womuʋurayi watuma munhu kuzobvisa musoro waŋgu? Tarirai, kana nhume iciȿika, mupfige mukoʋa, mumutsigirire mukoʋa; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Erisha akanga akagara mumba make, uye vakuru vakanga vagere naye. Mambo akatuma nhume mberi, asi asati asvika, Erisha akati kuvakuru, “Hamuoni here iyi mhondi iri kutumira munhu kuzodimura musoro wangu? Tarirai, kana nhume yasvika, mupfige mukova uye muutsigire kuti asapinda. Ko, hausi mutsindo wetsoka dzatenzi wake mushure make here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo Erisha ainge ari mumba make, vakuru vakuru vachitandara zvavo naye. Zvino mambo akatenge afanotuma mumwe murume akabva paaiva. Asi murume uyu asati asvikako, Erisha akafanoti kuvakuru vakuru vacho, “Muri kuona here zvarongwa nomwana womuurayi uyu, kutumira munhu kuzondidimura musoro nhai? Chinzwai, kana nhumwa yacho yasvika imi pfigai musuo, moramba makamubatira gonhi zviya zvokuti ndi chaizvo. Uyo hausiri mutsindo watenzi wake ari kumutevera here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Erisha wakanga agere mumba make, vakuru vagerewo naye; mambo akatuma munhu kuzomutungamirira; asi nhume ichigere kusvika kwaari, akati kuvakuru, “Munoona here kuti mwana uyu womuurayi watuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, kana nhume ichisvika, mupfige mukova, mumutsigirire mukova; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?”
Shona 2009?
Asi Erisha wakanga agere mumba make, vakuru vagerewo naye; mambo akatuma munhu kuzomutungamirira; asi nhume ichigere kusvika kwaari, akati kuvakuru, "Munoona here kuti mwana uyu womuurayi watuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, kana nhume ichisvika, mupfige mukova, mutsigirire mukova; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?"
Shona SUB 2002 Bible
Asi Erisha wakanga agere mumba make, vakuru vagerewo naye; mambo akatuma munhu kuzomutungamirira; asi nhume ichigere kusvika kwaari, akati kuvakuru, “Munoona here kuti mwana uyu womuurayi watuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, kana nhume ichisvika, mupfige mukova, mumutsigirire mukova; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?”