2 Kings 6:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acataurirana naʋo, nhume ikaɓurukira kwaari; iye akati: Tarirai, cakaipa ici cinobva kunaJehova; ndicamirireiko Jehova?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati achiri kutaurirana navo, nhumwa yakasvika kwaari. Mambo akati, “Dambudziko iri rinobva kuna Jehovha. Ndichagoramba ndakamirira Jehovha nemhaka yeiko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achiri kutaura navo kudaro nhumwa iya yakasvika kwaari ikati, “Nhamo iyi inhamo iri kuunzwa naTenzi. Ko ndichagorambirei ndakangomirira Tenzi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati achitaurirana navo, nhume ikaburukira kwaari; iye akati, “Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichamirireiko Jehovha?”
Shona 2009?
Zvino wakati achitaurirana navo, nhume ikaburukira kwaari; iye akati, "Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichamirireiko Jehovha?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati achitaurirana navo, nhume ikaburukira kwaari; iye akati, “Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichamirireiko Jehovha?”