2 Kings 7:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakaenda ʋakaɗanidzira kuʋatariri ʋesuʋo reguta, ʋakaʋaʋudza, ʋakati kwaari: Takaȿika kumisasa yaʋaSiria, tikawana kusisinomunhu’po, kunyaŋge inzwi romunhu, asi mabiza akasuŋgirwa, namahesera akasuŋgirwa, namatente akaŋgoɗaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakaenda vakadanidzira kuvarindi vesuo reguta vakati kwavari, “Takaenda kumusasa wavaAramu tikasawana kana munhumo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza nembongoro zvakasungirirwa uye matende akangosiyiwa akadaro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakabva vaenda vakasvikodaidza vachengetedzi vapasuo guru repaguta iri. Vakavati, “Isu tasvika pamatendhe evaSiria. Mufungeka hapana nomunhu wose wataonapo kana kunzwa zvako kana chii zvacho asi kutoti mabhiza akasungwa namadhongi akasungirirwa namatendhe akangodaro sezvaaingova.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakaenda vakadanidzira kuvatariri vesuo reguta, vakavaudza, vakati kwaari, “Takasvika kumisasa yavaSiria, tikawana kusisina munhupo, kunyange izwi romunhu, asi mabhiza akasungirwa, namahesera akasungirwa, namatende akangodaro.”
Shona 2009?
Naizvozvo vakaenda vakadanidzira kuvatariri vesuo reguta, vakavaudza, vakati kwaari, "Takasvika kumisasa yavaSiria, tikawana kusisina munhupo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza akasungirwa, namahesera akasungirwa, namatende akangodaro."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakaenda vakadanidzira kuvatariri vesuwo reguta, vakavaudza, vakati kwaari, “Takasvika kumisasa yaVaSiria, tikawana kusisina munhupo, kunyangwe izwi romunhu, asi mabhiza akasungirwa, namahesera akasungirwa, namatende akangodaro.”