2 Kings 7:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akamuka pakati poʋusiku, akati kuʋaranda ʋake: Ndicakuʋudzai ɀataitirwa naʋaSiria. Ʋanoziʋa kuti tinenzara; naiɀoɀo ʋakaɓuɗa pamisasa ʋakandoʋanda kusaŋgo, ʋaciti: Kana ʋakaɓuɗa muguta, ticaʋaɓata ʋari ʋapenyu, isu tigopinda muguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akamuka usiku akati kuvabati vake, “Ndichakuudzai zvataitirwa navaAramu. Ivo vanoziva kuti tine nzara; saka vasiya musasa vakandovanda muminda, vachifunga kuti ‘Zvirokwazvo kana vakabuda kunze ipapo isu tichavabata vari vapenyu tigopinda muguta.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo uyu akamuka usiku ihwohwo akati kumakurukota ake, “Chiregai ndikutaurirei zvarongwa kuitwa navaSiria ava kwatiri. Chavari kutoziva zvavo izvozvi ndechokuti isu tabayiwa nenzara. Ndokusaka vabva pamatendhe avo vandohwanda kunze vachiti panongoti vaIsiraeri budei muguta isu tinobva tavabata vari vapenyu topinda zvedu muguta umu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akamuka pakati pousiku, akati kuvaranda vake, “Ndichakuudzai zvataitirwa navaSiria. Vanoziva kuti tine nzara; naizvozvo vakabuda pamisasa vakandovanda kusango, vachiti, ‘Kana vakabuda muguta, tichavabata vari vapenyu, isu tigopinda muguta.’ ”
Shona 2009?
Mambo akamuka pakati pousiku, akati kuvaranda vake, "Ndichakuudzai zvataitirwa navaSiria. Vanoziva kuti tine nzara; naizvozvo vakabuda pamisasa vakandovanda kusango, vachiti, Kana vakabuda muguta, tichavabata vari vapenyu, isu tigopinda muguta.'
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akamuka pakati pousiku, akati kuvaranda vake, “Ndichakuudzai zvataitirwa naVaSiria. Vanoziva kuti tine nzara; naizvozvo vakabuda pamisasa vakandovanda kusango, vachiti, ‘Kana vakabuda muguta, tichavabata vari vapenyu, isu tigopinda muguta.’ ”