2 Kings 7:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mumŋe muranda wake akapindura, akati: Ʋamŋe ŋgaʋatore mabiza mashanu kunaakasara, akasiyiwa muguta, (tarirai, ʋakafanana naʋamŋe ʋaIsraeri ʋazhinji ʋakasara’mo; tarirai, ʋakafanana ʋo naʋamŋe ʋaIsraeri ʋazhinji ʋatoparadzwa haʋo;) tiʋatume, tiʋone.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavabati vake akapindura akati, “Vamwe varume ngavatore mabhiza mashanu akasiyiwa muguta. Zvakaitika kwavari zvichafanana nezvichaitika kuvaIsraeri vose vasara muno, hongu vachava chete savaIsraeri vose ava vachaparara. Naizvozvo ngativatumei kuti vandoona kuti chii chakaitika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rimwe gurukota rake rakati, “Regai vamwe varume vatore mabhiza mashanu pane aye akasiyiwa sezvo muri kutoonaka kuti ava vakasara muno ava vachangoitawo segungano rose reIsiraeri ratodai kupera kutsakatika. Ngativatume tione.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mumwe muranda wake akapindura, akati, “Vamwe ngavatore mabhiza mashanu kuna akasara, akasiyiwa muguta, (tarirai, vakafanana navamwe vaIsiraeri vazhinji vakasara imomo; tarirai vakafananawo navamwe vaIsiraeri vazhinji vatoparadzwa havo;) tivatume, tione.”
Shona 2009?
Ipapo mumwe muranda wake akapindura, akati, "Vamwe ngavatore mabhiza mashanu kuna akasara, akasiyiwa muguta, (tarirai, vakafanana navamwe vaIsiraeri vazhinji vakasara imomo; tarirai vakafananawo navamwe vaIsiraeri vazhinji vatoparadzwa havo;) tivatume, tione."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mumwe muranda wake akapindura, akati, “Vamwe ngavatore mabhiza mashanu kuna akasara, akasiyiwa muguta, (tarirai, vakafanana navamwe VaIsiraeri vazhinji vakasara imomo; tarirai vakafananawo navamwe VaIsiraeri vazhinji vatoparadzwa havo;) tivatume, tione.”