2 Kings 7:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakaenda, ʋakaʋateʋera kuȿikira kwaJoridani, ʋakawana nzira yose izere neŋguʋo, nenhumbi, dzakaŋga dzarashwa naʋaSiria nokumhanya kwaʋo. Nhume dzikadzoka, dzikaʋudza mambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakavatevera kusvikira paJorodhani, vakawana nzira yose izere nguo nenhumbi dzakanga dzakaraswa navaAramu pakutiza kwavo. Saka nhumwa dzakadzoka dzikaudza mambo izvozvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakavaronda kudzamara kuna Jorodhani uko, onei mugwara macho mose makati mwarara nehanzu midziyo zvairaswa navaSiria pavakanga voita zvechimbichimbi. Nhume idzi dzakadzoka dzikazvisvitsa kuna mambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakaenda, vakavatevera kusvikira kwaJorodhani, vakawana nzira yose izere nenguo, nenhumbi, dzakanga dzarashwa navaSiria nokumhanya kwavo. Nhume dzikadzoka, dzikaudza mambo.
Shona 2009?
Ivo vakaenda, vakavatevera kusvikira kwaJorodhani, vakawana nzira yose izere nenguvo, nenhumbi, dzakanga dzarashwa navaSiria nokumhanya kwavo. Nhume dzikadzoka, dzikaudza mambo.
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakaenda, vakavatevera kusvikira kwaJodhani, vakawana nzira yose izere nenguo, nenhumbi, dzakanga dzarashwa naVaSiria nokumhanya kwavo. Nhume dzikadzoka, dzikaudza mambo.