2 Kings 7:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋanhu ʋakaɓuɗa, ʋakapamba misasa yaʋaSiria. Naiɀoɀo ciyero coʋupfu bgakatsetseka cakateŋgeswa neshekeri rimŋe, neɀiyero ɀiʋiri ɀebari neshekeri rimŋe, seɀakaŋga ɀarebga naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vanhu vakabuda vakandopamba musasa wavaAramu. Saka chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe chete uye zviyero zviviri zvebhari zvakatengeswawo neshekeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakabuda vakandopamba zvinhu pamatendhe evaSiria. Nokudaro makirogiramu matatu oupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa akabva ava kutengeswa nemari imwechete yesirivha uye makirogiramu matanhatu ebhari ava kutengeswa nemari imwechete yesirivha sezvakanga zvarehwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vanhu vakabuda, vakapamba misasa yavaSiria. Naizvozvo chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe, nezviyero zviviri zvebhari neshekeri rimwe, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Shona 2009?
Ipapo vanhu vakabuda, vakapamba misasa yavaSiria. Naizvozvo chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe, nezvi yero zviviri zvebhari neshekeri rimwe, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vanhu vakabuda, vakapamba misasa yaVaSiria. Naizvozvo chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe, nezviyero zviviri zvebhari neshekeri rimwe, sezvakanga zvarehwa naJehovha.