2 Kings 7:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mukuru uyo akapindura munhu waMŋari, akati: Ɀino tarira, kunyaŋge Jehova akaita mawindi kuɗeŋga, cinhu ici cakaɗai ciŋgaitwa here? Iye akati: Tarira, ucaɀiʋona nameso ako, asi hauŋgaɀidyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mubati uya akanga ati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Mwari akazarura mawindo okumatenga, zvakadai zvingaitika here?” Munhu waMwari akanga amupindura akati, “Uchazviona nameso ako, asi haungadyi kana chimwe chazvo!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mukuru mukuru iyeyu akapindura munhu waMwari uya achiti, “Kunyange zvazvo iye Tenzi kuri kuti aita mahwindo mudenga umu, zvakadaro ndopazvingaitike here izvozvo?” Iye akanga amuti, “Iyewe uchatozviona nameso ako, asi hausi kuzombozvidya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mukuru uyo akapindura munhu waMwari, akati, ‘Zvino tarira, kunyange Jehovha akaita mawindo kudenga, chinhu ichi chakadai chingaitwa here?’ Iye akati ‘Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.’
Shona 2009?
mukuru uyo akapindura munhu waMwari, akati, `Zvino tarira, kunyange Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chakadai chingaitwa here? Iye akati Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.'
Shona SUB 2002 Bible
mukuru uyo akapindura munhu waMwari, akati, ‘Zvino tarira, kunyangwe Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chakadai chingaitwa here?’ Iye akati ‘Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.’