2 Kings 7:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukuru uyo, mambo waakaŋga akasendama paruʋoko rwake, akapindura munhu waMŋari, akati: Tarirai, kunyaŋge Jehova akaita mawindi kuɗeŋga, cinhu ici ciŋgaitika here? Erisha akati: Tarira, ucaɀiʋona nameso ako, asi hauŋgaɀidyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mukuru anova aiva ndiye ane ruoko rwakanga rwakasendamirwa namambo, akati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Jehovha akazarura mawindo amatenga, kuti zvakadai zvingaitika?” Erisha akapindura akati, “Uchazviona iwe nameso ako asi hauna chimwe chazvo chauchadya!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukuru mukuru aiva wepedyopedyo kwazvo namambo akati kumunhu waMwari, “Kunyange iye Tenzi, kuri kuti aita mahwindo mudenga umu ndopazvingaitike izvozvo here?” Asi Erisha akati, “Iyewe uchatozviona nameso ako aya asi hausi kuzombozvidya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukuru uyo, mambo waakanga akasendama paruoko rwake, akapindura munhu waMwari, akati, “Tarirai, kunyange Jehovha akaita mawindo kudenga, chinhu ichi chingaitika here?” Erisha akati, “Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.”
Shona 2009?
Zvino mukuru uyo, mambo waakanga akasendama paruoko rwake, akapindura munhu waMwari, akati, "Tarirai, kunyange Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chingaitika here?" Erisha akati, "Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukuru uyo, mambo waakanga akasendama paruoko rwake, akapindura munhu waMwari, akati, “Tarirai, kunyangwe Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chingaitika here?” Erisha akati, “Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.”