2 Kings 7:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana tikati: Ticapinda muguta, nzara huru iri muguta, ticandofira’mo; kana tikagara pano, ticafa ʋo. Naiɀoɀo ɀino hendei tiende heɗu kuhondo dzaʋaSiria; kana ʋakatirega tiri ʋapenyu, tararama heɗu; kana ʋakatiʋuraya, tafa heɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tichagarireiko pano kusvikira tafa? Kana tikati, ‘Tichaenda muguta,’ nzara irimo uye tichafa. Uye kana tikagara pano, tichafa. Naizvozvo ngatiendei kumusasa wavaAramu tinozvipira hedu. Kana vakatirega tiri vapenyu, tararama, kana vakatiuraya, tafa hedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana tikati tipinde zvedu muguta, nzara iri kubaya muguta umu, tingafire imomo. Kana tikati zunye kugara pano tinopafazve. Saka iye zvino uyai tiyambukire kumatendhe evaSiria uku. Kana vakatirega tiri vapenyu tatorarama, asi kana vakatiuraya tafawoka zvedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana tikati, ‘Tichapinda muguta, nzara huru iri muguta, tichandofiramo; kana tikagara pano, tichafawo. Naizvozvo zvino hendei tiende hedu kuhondo dzavaSiria; kana vakatirega tiri vapenyu, tararama hedu; kana vakatiuraya, tafa hedu.’ ”
Shona 2009?
Kana tikati, `Tichapinda muguta, nzara huru iri muguta, tichandofiramo; kana tikagara pano, tichafawo. Naizvozvo zvino hendei tiende hedu kuhondo dzavaSiria; kana vakatirega tiri vapenyu, tararama hedu; kana vakatiuraya, tafa hedu.' "
Shona SUB 2002 Bible
Kana tikati, ‘Tichapinda muguta, nzara huru iri muguta, tichandofiramo; kana tikagara pano, tichafawo. Naizvozvo zvino hendei tiende hedu kuhondo dzaVaSiria; kana vakatirega tiri vapenyu, tararama hedu; kana vakatiuraya, tafa hedu.’ ”