2 Kings 7:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakasimuka mambakwedza, ʋakaenda kumisasa yaʋaSiria; ʋakati ʋaȿika kumisasa yokumudziʋo yaʋaSiria, ʋakawana kusinomunhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo vakasimuka mambakwedza vakaenda kumusasa wavaAramu. Vakati vasvika pamucheto womusasa, wanei hakuna kana munhu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakabva vasimuka rubvunzavaeni voenda kumatendhe avaSiria. Kuzoti vasvika kwaitangira matendhe evaSiria aya wanei pakati n'ono pasina nomunhu wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakasimuka mambakwedza, vakaenda kumisasa yavaSiria; vakati vasvika kumisasa yokumudzivo yavaSamaria, vakawana kusino munhu.
Shona 2009?
Ipapo vakasimuka mambakwedza, vakaenda kumisasa yavaSiria; vakati vasvika kumisasa yokumudzivo yavaSamaria, vakawana kusina munhu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakasimuka mambakwedza, vakaenda kumisasa yaVaSiria; vakati vasvika kumisasa yokumudzivo yavaSamaria, vakawana kusino munhu.