2 Kings 7:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova wakaŋga anzwisa hondo yaʋaSiria kutinhira kweŋgoro, nokutinhira kwamabiza, kuri kutinhira kwehondo huru; ʋakataurirana, ʋakati: Tarirai, mambo waIsraeri wakakoka madzimambo aʋaHiti namadzimambo aʋaEgipita kuzorwa nesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti Jehovha akanga aita kuti vaAramu vanzwe kutinhira kwengoro namabhiza uye nokwehondo huru, naizvozvo, vakataurirana vachiti, “Tarirai mambo weIsraeri akakoka vaHiti namadzimambo avaIjipita kuti vazotirwisa!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chakadariso ndechokuti Tenzi akanga aita kuti hondo inzwe maungira engoro dzehondo neemabhiza namaungira ehondo huru kwazvo zvokuti vakataurirana vachiti, “Zvamunoonaka mambo wokwaIsiraeri akandotenga madzimambo evaHiti nemadzimambo evaIjipiti kuti vatirwise.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jehovha wakanga anzwisa hondo yavaSiria kutinhira kwengoro, nokutinhira kwamabhiza, kuri kutinhira kwehondo huru; vakataurirana, vakati, “Tarirai, mambo weIsiraeri wakakoka madzimambo avaHiti namadzimambo avaIjipiti kuzorwa nesu.”
Shona 2009?
Nokuti Jehovha wakanga anzwisa hondo yavaSiria kutinhira kwengoro, nokutinhira kwamabhiza, kuri kutinhira kwehondo huru; vakataurirana, vakati, "Tarirai, mambo waIsiraeri wakakoka madzimambo avaHiti namadzimambo avaIjipiti kuzorwa nesu."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jehovha akanga anzwisa hondo yaVaSiria kutinhira kwengoro, nokutinhira kwamabhiza, kuri kutinhira kwehondo huru; vakataurirana, vakati, “Tarirai, mambo weIsiraeri wakakoka madzimambo avaHiti namadzimambo aVaIjipiti kuzorwa nesu.”