2 Kings 7:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaya ʋaiʋa namaperembudzi ʋakati ʋaciȿika kumisasa yokumidziʋo, ʋakapinda patente rimŋe, ʋakadya nokunwa, ʋakatora’mo sirveri nendarama neŋguʋo, ʋakandoɀiʋiga; ʋakadzoka ɀe, ʋakapinda munerimŋe tente, ʋakatora ɀakaŋga ɀiri’mo ʋo, ʋakandoɀiʋiga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vaiva namaperembudzi vakapinda kumucheto kwomusasa ndokupinda mune rimwe tende. Vakadya uye vakanwa, uye vakatakura sirivha, negoridhe nenguo vakabvapo vakandozviviga. Vakadzokazve vakapinda mune rimwe tende vakatora zvimwe zvinhu mariri vakandozvivigazve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakasvika vana maperembudzi ava kwaitangira matendhe aya vakapinda mutendhe rimwe vakadya vakanwa vakabva vatora sirivha nendarama nehanzu vakandozviviga. Vakadzoka vakapinda mune rimwe tendhe ndokutakuramo zvimwe zvinhu vakandozviviga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaya vaiva namaperembudzi vakati vachisvika kumisasa yokumidzivo, vakapinda patende rimwe, vakadya nokunwa, vakatoramo sirivha nendarama nenguo, vakandozviviga; vakadzokazve, vakapinda mune rimwe tende, vakatora zvakanga zvirimowo, vakandozviviga.
Shona 2009?
Zvino vaya vaiva namaperembudzi vakati vachisvika kumisasa yokumidzivo, vakapinda patende rimwe, vakadya nokumwa, vakatoramo sirivha nendarama nenguvo, vakandozviviga; vakadzokazve, vakapinda mune rimwe tende, vakatora zvakanga zvirimowo, vakandozviviga.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaya vaiva namaperembudzi vakati vachisvika kumisasa yokumidzivo, vakapinda patende rimwe, vakadya nokunwa, vakatoramo sirivha nendarama nenguo, vakandozviviga; vakadzokazve, vakapinda mune rimwe tende, vakatora zvakanga zvirimowo, vakandozviviga.