2 Kings 8:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Erisha wakataura nomukadzi uya waakaŋga amutsira mŋanakomana wake, akati: Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nokuti Jehova wakaraira nzara; icaʋa panyika makore manomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Erisha akanga ati kumukadzi waakararamisira mwanakomana wake, “Enda kure iwe neimba yako unogara chero paunogona kugara, nokuti Jehovha akarayira nzara ichapedza makore manomwe panyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Erisha akanga ati kumudzimai uya ane mwanakomana waakaita kuti ave mupenyu pakare, “Simukai mutame nemhuri yenyu iyi mumbondogara kwose kwose kwamunenge mawana nokuti Tenzi aronga kuti kuite shangwa yenzara munyika muno kwamakore manomwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Erisha wakataura nomukadzi uya waakanga amutsira mwanakomana wake, akati, “Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nokuti Jehovha wakaraira nzara; ichava panyika makore manomwe.”
Shona 2009?
zvino Erisha wakataura nomukadzi uya waakanga amutsira mwanakomana wake, akati, "Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nokuti Jehovha wakaraira nzara; ichava panyika makore manomwe."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Erisha wakataura nomukadzi uya waakanga amutsira mwanakomana wake, akati, “Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nokuti Jehovha akaraira nzara; ichava panyika makore manomwe.”