2 Kings 8:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Hazaeri akati: Munocemeiko, ishe waŋgu? Akapindura, akati: Nokuti ndinoziʋa ɀakaipa ɀaucaitira ʋana ʋaIsraeri; ucapisa nhare dzaʋo, ucaʋuraya majaya aʋo nomunondo, ucapxanya pxere dzaʋo, ucatumbura ʋakadzi ʋaʋo ʋanemimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hazaeri akamubvunza akati, “Seiko ishe wangu achichema?” Iye akapindura akati, “Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vaIsraeri. Uchapisa nhare dzavo nomoto, uchauraya majaya avo nomunondo, ucharovera pwere dzavo pasi, uye uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazaeri akati, “Zvaita seiko changamire kuzohwihwidza kuchema kudai?” Iye akati, “Nokuti ndiri kuziva zvakaipa zvauchaita kuvanhu veIsiraeri. Uchapisa nomotoka iwe nzvimbo dzavo dzakavakirirwa netsvingo. Uchaurayaka iwe majaya avo namapakatwa, pwere dzavo uchipwatitsira kurovera pasi, uchitumbura madzimai avo ane pamuviri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Hazaeri akati, “Munochemeiko, ishe wangu?” Akapindura, akati, “Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vana veIsiraeri; uchapisa nhare dzavo, uchauraya majaya avo nomunondo, uchapwanya pwere dzavo, uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.”
Shona 2009?
Ipapo Hazaeri akati, "Munochemeiko, ishe wangu?" Akapindura, akati, "Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vana vaIsiraeri; uchapisa nhare dzavo, uchauraya majaya avo nomunondo, uchapwanya pwere dzavo, uchatumbura vakadzi vavo vane mimba."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Hazaeri akati, “Munochemeiko, ishe wangu?” Akapindura, akati, “Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vana veIsiraeri; uchapisa nhare dzavo, uchauraya majaya avo nomunondo, uchapwanya pwere dzavo, uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.”