2 Kings 8:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hazaeri akati: Ko muranda wenyu cinyiko, iyo imbga hayo, kuti ndiite cinhu ici cikuru cakaɗai? Erisha akapindura, akati: Jehova wakandiziʋisa, kuti iwe ucaʋa mambo weSiria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hazaeri akati, “Ko, muranda wenyu chiiko, iyo imbwa zvayo, kuti angaita chinhu chakakura kudai?” Erisha akapindura akati, “Jehovha akandiratidza kuti iwe uchava mambo wavaAramu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazaeri ndokuti, “Pangu panowo iyeni muranda wenyu, imbwa zvayo ndingasvikewo pakuita chinhu chikuru chakadaro.” Erisha akati, “Tenzi andiratidza kuti ndiwe uchava mambo weSiria.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hazaeri akati, “Ko muranda wenyu chinyiko, iyo imbwa hayo, kuti ndiite chinhu ichi chikuru chakadai?” Erisha akapindura, akati, “Jehovha wakandizivisa, kuti iwe uchava mambo weSiria.”
Shona 2009?
Hazaeri akati, "Ko muranda wenyu chinyiko, iyo imbwa hayo, kuti ndiite chinhu ichi chikuru chakadai?" Erisha akapindura, akati, "Jehovha wakandizivisa, kuti iwe uchava mambo weSiria."
Shona SUB 2002 Bible
Hazaeri akati, “Ko muranda wenyu chiiko, iyo imbwa hayo, kuti ndiite chinhu ichi chikuru chakadai?” Erisha akapindura, akati, “Jehovha wakandizivisa, kuti iwe uchava mambo weSiria.”