2 Kings 8:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova wakaŋga asiŋgaɗi kuparadza Juda, nokuɗa kwaDavidi muranda wake, nokuti wakaŋga amupikira, kuti ucamupa mŋenje waʋana ʋake ŋguʋa dzose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, Jehovha akanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwomuranda wake Dhavhidhi. Akanga avimbisa kupa mwenje kwaari nokuvana vake nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo Tenzi haana kuparadza vokwaJudha achiitira muranda wake Dhavhidhi, sezvo akanga amutsidzira kumupa mwenje unogara uchipfuta nokusingapere navanakomana vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro Jehovha wakanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwaDhavhidhi muranda wake, nokuti wakanga amupikira, kuti uchamupa mwenje wavana vake nguva dzose.
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro Jehovha wakanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwaDhavhidhi muranda wake, nokuti wakanga amupikira, kuti uchamupa mwenje wavana vake nguva dzose.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro Jehovha akanga asingadi kuparadza Judha, nokuda kwaDhavhidhi muranda wake, nokuti wakanga amupikira, kuti uchamupa mwenje wavana vake nguva dzose.