2 Kings 8:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo Jorami akadzokera Jezreeri kuti arapxe maʋaŋga ake aakatemŋa naʋaSiria paRama, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda akaenda kundoʋona Jorami mŋanakomana waAhabi paJezreeri, nokuti wakaŋga acirwara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
naizvozvo mambo Joramu akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda aakanga akakuvadzwa navaAramu paRamoti mukurwa kwake naHazaeri mambo weAramu. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu, mambo weJudha, akaburukira kuJezireeri kundoona Joramu, mwanakomana waAhabhu, nokuti akanga akuvadzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Joramu akadzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa nevaSiria kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzikako kundotarira Joramu mwanakomana waAhabhu kuJezirieri sezvo ainge achirwara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo Joramu akadzokera Jezereri kuti arapwe mavanga ake aakatemwa navaSiria paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha akaenda kundoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezereri, nokuti wakanga achirwara.
Shona 2009?
Mambo Joramu akadzokera Jezereeri kuti arapwe mavanga ake aakatemwa navaSiria paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha akaenda kundoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezereeri, nokuti wakanga achirwara.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo Joramu akadzokera Jezereri kuti arapwe mavanga ake aakatemwa naVaSiria paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha akaenda kundoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezereri, nokuti wakanga achirwara.