2 Kings 8:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acaʋudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakaŋga amutsirwa mŋanakomana wake, akacema kunamambo pamsoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati: Ishe waŋgu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mŋanakomana wake, wakamutswa naErisha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gehazi achiri kutaurira mambo kuti Erisha akanga araramisa sei mukomana akanga afa, mukadzi aiva nomwanakomana akanga araramiswa naErisha akabva asvika kuti azokumbira imba yake nomunda wake kuna mambo. Gehazi akati, “Uyu ndiye mukadzi wacho, ishe wangu mambo, uye uyu ndiye mwanakomana wake akararamiswa naErisha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati achirondedzera kuna mambo zvakaitwa naErisha zvokuita kuti munhu akanga afa ave mupenyu pakare, mudzimai uya akamutsirwa mwanakomana wake naErisha ndiye nepo wotopira nyaya yake kuna mambo yokuti adzoserwe musha wake namakura ake. Gehazi ndokuti, “A changamire mambo ndiyeyuka mudzimai wacho, hoyuka mwanakomana wake nyakuitwa mupenyu pakare naErisha.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati achaudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakanga amutsirwa mwanakomana wake, akachema kuna mambo pamusoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati, “Ishe wangu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mwanakomana wake, wakamutswa naErisha.”
Shona 2009?
Zvino wakati achaudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakanga amutsirwa mwanakomana wake, akachema kuna mambo pamusoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati, "Ishe wangu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mwanakomana wake, wakamutswa naErisha."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati achaudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakanga amutsirwa mwanakomana wake, akachema kuna mambo pamusoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati, “Ishe wangu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mwanakomana wake, wakamutswa naErisha.”