2 Kings 8:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuʋudza. Naiɀoɀo mambo wakaraira mumŋe mukuru pamsoro pake, akati: Mudzosere ɀose ɀaiʋa ɀake, nemicero yomunda, kubva pazuʋa raakabva naro panyika kuȿikira ɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mambo akabvunza mukadzi pamusoro paizvozvo, iye akamutaurira. Ipapo akatuma mubati kuti aone nezvenyaya yomukadzi uyu akati, “Mudzorerei zvake zvose pamwe nezvibereko zvinobva pamunda wake kubvira pazuva raakabva munyika ino kusvikira zvino.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo paakabvunzawo mudzimai uyu, iye akamurondedzera. Mambo akabva amusarudzira mumwe mukuru mukuru akamuti, “Dzoserai mudzimai uyu zvinhu zvake zvose pamwechete nembesa dzose dzaibuda mumunda wacho kubvira pamusi waakasiya dunhu iroro kusvikira iye zvino.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuudza. Naizvozvo mambo wakaraira mumwe mukuru pamusoro pake, akati, “Mudzosere zvose zvaiva zvake, nemichero yomunda, kubva pazuva raakabva naro panyika kusvikira zvino.”
Shona 2009?
Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuudza. Naizvozvo mambo wakaraira mumwe mukuru pamusoro pake, akati, "Mudzosere zvose zvaiva zvake, nemichero yomunda, kubva pazuva raakabva naro panyika kusvikira zvino."
Shona SUB 2002 Bible
Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuudza. Naizvozvo mambo wakaraira mumwe mukuru pamusoro pake, akati, “Mudzosere zvose zvaiva zvake, nemichero yomunda, kubva pazuva raakabva naro panyika kusvikira zvino.”