2 Kings 8:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Hazaeri akandosoŋgana naye, akaenda necipo ceɀose ɀakaŋga ɀakanaka paDamasko, mutoro wakariŋgana makamera anamakumi manna, akaȿika akamira pamberi pake, akati: Mŋanakomana wenyu Beni‐hadadi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, aciti: Ndicapora here pakurwara uku?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hazaeri akaenda kundosangana naErisha, akamuvigira chipo chezvipfeko zvose zvakanga zvakanaka kwazvo zveDhamasiko zvaitakurwa namakumi mana engamera. Akapinda mumba akamira pamberi pake, akati, “Mwanakomana wenyu Bheni-hadhadhi mambo wavaAramu andituma kuti ndizobvunza kuti, ‘Ndichaporawo here pakurwara uku?’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo Hazaeri akaenda kundosangana naye akamutakurira chipo chezvinhu zvose zvakasiyana-siyana zvomuDhamasikusi zvaitotakurwa namakumi mana engamera. Paakasvika akamira paaiva akati, “Mwanakomana wenyu, Bhenihadhadhi mambo weSiria andituma kwamuri neshoko rokuti, ‘Ko ini ndichararama here paurwere hwangu ihwohu?’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Hazaeri akandosangana naye, akaenda nechipo chezvose zvakanga zvakanaka paDhamasiko, mutoro wakaringana makamera ana makumi mana, akasvika akamira pamberi pake, akati, “Mwanakomana wenyu Bhenihadhadhi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, achiti, ‘Ndichapora here pakurwara uku?’ ”
Shona 2009?
Naizvozvo Hazaeri akandosangana naye, akaenda nechipo chezvose zvakanga zvakanaka paDhamasiko, mutoro wakaringana makamera ana makumi mana, akasvika akamira pamberi pake, akati, "Mwanakomana wenyu Bhenihadhadhi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, achiti, Ndichapora here pakurwara uku?'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Hazaeri akandosangana naye, akaenda nechipo chezvose zvakanga zvakanaka paDhamasikosi, mutoro wakaringana makamera ana makumi mana, akasvika akamira pamberi pake, akati, “Mwanakomana wenyu Bhenihadhadhi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, achiti, ‘Ndichapora here pakurwara uku?’ ”