2 Kings 9:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakati: Inhema! Tiʋudze. Iye akati: Wandiʋudza ɀokuti neɀokuti, akati: Ɀanzi naJehova: Ndakakuzodza uʋe mambo waIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakati, “Hazvisizvo! Tiudze.” Jehu akati, “Hezvi zvaandiudza: ‘Zvanzi naJehovha: Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati, “Kweteka, hazvisizvo, chitiudza.” Akabva ati, “Zvaanditaurira ndezvizvi izvi: ati, ‘Zvanzi naTenzi, ndakugadza paumambo hwokwaIsiraeri.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakati, “Inhema! Tiudze.” Iye akati, “Wandiudza zvokuti nezvokuti,” akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndakakuzodza uve mambo weIsiraeri.’ ”
Shona 2009?
Ivo vakati, "Inhema! Tiudze." Iye akati, "Wandiudza zvokuti nezvokuti," akati, "Zvanzi naJehovha, `Ndakakuzodza uve mambo waIsiraeri.' "
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakati, “Inhema! Tiudze.” Iye akati, “Wandiudza zvokuti nezvokuti,” akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndakakuzodza uve mambo weIsiraeri.’ ”