2 Kings 9:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakakurumidza, mumŋe nomumŋe akatora ŋguʋo yake, akaiisa pasi pake pamsoro peɀikwiriso, ʋakaridza hwamanda, ʋakati: Jehu ndimambo!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakakurumidza kutora majasi avo vakaawaridza pasi pamakumbo ake pazvikwiriso. Ipapo vakaridza hwamanda vakadanidzira vachiti, “Jehu ava mambo!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu wose pavari ivava akaita chipatapata kutora hanzu yake akamuwaridzira pasi pamanera chaipo. Vakaridza hwamanda vachizivisa kuti, “Jehu ndiye mambo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakakurumidza, mumwe nomumwe akatora nguo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati, “Jehu ndimambo!”
Shona 2009?
Ipapo vakakurumidza, mumwe nomumwe akatora nguvo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati, "Jehu ndimambo!"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakakurumidza, mumwe nomumwe akatora nguo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati, “Jehu ndimambo!”