2 Kings 9:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mambo Jorami wakaŋga adzokera Jezreeri kuzorapxa maʋaŋga ake, aakaŋga atemŋa naʋaSiria, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati: Kana mucitenda naɀo, ŋgakurege kuʋa nomunhu unotiza muguta, kundoʋudza iɀoɀo paJezreeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mambo Joramu akanga adzokera kuJezireeri kuti andopora maronda aakanga akuvadzwa navaAramu muhondo naHazaeri, mambo weAramu.) Jehu akati, “Kana zviri izvo zvamunoda, ngaparege kuva neanonyeruka achibuda muguta achienda kunotaura shoko muJezireeri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mambo Joramu akanga adzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa navaSiria paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ipapo Jehu akati, “Kana zvirizvo zvakupindaiwo mumwoyo ngapachirega kuva naanoverera muguta muno kundosvitsa shoko irori kuJezirieri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mambo Joramu wakanga adzokera Jezereri kuzorapwa mavanga ake, aakanga atemwa navaSiria, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati, “Kana muchitenda nazvo, ngakurege kuva nomunhu unotiza muguta, kundoudza izvozvo paJezereri.”
Shona 2009?
Asi mambo Joramu wakanga adzokera Jezereeri kuzorapwa mavanga ake, aakanga atemwa navaSiria, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati, "Kana muchitenda nazvo, ngakurege kuva nomunhu unotiza muguta, kundoudza izvozvo paJezereeri."
Shona SUB 2002 Bible
Asi mambo Joramu wakanga adzokera Jezereri kuzorapwa mavanga ake, aakanga atemwa naVaSiria, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati, “Kana muchitenda nazvo, ngakurege kuva nomunhu unotiza muguta, kundoudza izvozvo paJezereri.”