2 Kings 9:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Jehu akafamba neŋgoro, akaenda Jezreeri, nokuti Jorami wakaŋga aʋete’po. Ɀino Ahazia mambo waJuda wakaŋga aenda’ko kuzoʋona Jorami.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akakwira mungoro yake akaenda kuJezireeri, nokuti Joramu akanga akazorora ikoko uye Ahazia mambo weJudha akanga adzikako kuti andomuona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehu ndokuti mungoro yake yehondo kata akaenda kuJezirieri sezvo Joramu akanga arere ikoko. Izvozvo Ahaziya mambo wokwaJudha akanga adzikako kundotarira Joramu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Jehu akafamba nengoro, akaenda Jezereri, nokuti Joramu wakanga avetepo. Zvino Ahazia mambo waJudha wakanga aendako kuzoona Joramu.
Shona 2009?
Naizvozvo Jehu akafamba nengoro, akaenda Jezereeri, nokuti Joramu wakanga avetepo. Zvino Ahazia mambo waJudha wakanga aendako kuzoona Joramu.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Jehu akafamba nengoro, akaenda Jezereri, nokuti Joramu wakanga avetepo. Zvino Ahazia mambo waJudha wakanga aendako kuzoona Joramu.