2 Kings 9:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nharirire yakaŋga imire pamsoro peshoŋgwe yeJezreeri, ikaʋona ɓoka raJehu riciʋuya, ikati: Ndinoʋona ɓoka raʋanhu. Jorami akati: Ƌanai mutaȿi webiza, mumutume andosoŋgana naʋo, ati: Kunorugare here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nharirire yakanga yakamira pamusoro peshongwe muJezireeri yakati ichiona varwi vaJehu vava kusvika, yakadanidzira ichiti, “Ndiri kuona varwi vari kuuya.” Joramu akamurayira akati, “Dana mutasvi webhiza. Mutume kuti anosangana navo agovabvunza kuti, ‘Muri kuuya norugare here?’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugaririri akanga amire panharire muJezirieri, akaona chikwata chaJehu chichiuya akati, “Ndiri kuona chikwata chavanhu.” Joramu akati, “Tuma munhu nebhiza anochingurana navo, avabvunze kuti kwakanaka here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nharirire yakanga imire pamusoro peshongwe yeJezereri, ikaona boka raJehu richiuya, ikati, “Ndinoona boka ravanhu.” Joramu akati, “Danai mutasvi webhiza, mumutume andosangana navo, ati, ‘Kunorugare here?’ ”
Shona 2009?
Zvino nharirire yakanga imire pamusoro peshongwe yeJezereeri, ikaona boka raJehu richiuya, ikati, "Ndinoona boka ravanhu." Joramu akati, "Danai mutasvi webhiza, mumutume andosangana navo, ati, `Kunorugare here?' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nharirire yakanga imire pamusoro peshongwe yeJezereri, ikaona boka raJehu richiuya, ikati, “Ndinoona boka ravanhu.” Joramu akati, “Danai mutasvi webhiza, mumutume andosangana navo, ati, ‘Kunorugare here?’ ”