2 Kings 9:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nharirire yakataura, ikati: Wakaȿika hake kwaʋari, asi haadzoki ɀe; ʋuye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mŋanakomana waNimshi, nokuti unofambisa ɀinotyisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehu akapindura akati, “Uneiko norugare iwe? Tevera shure kwangu.” Nharirire yakazivisazve ichiti, “Asvika kwavari, asi naiyewo haasi kudzoka.” Kuchaira kwacho kwakafanana nokwaJehu mwanakomana waNimushi, nokuti anochaira kunge benzi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugaririri akataurazve achiti, “Nhume iyo yasvika kwavari, asi hayizi kudzoka. Asi muchairiro wacho unenge muchairiro waJehu mwana waNimishi nokuti ari kupengereka chaizvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nharirire yakataura, ikati, “Wakasvika hake kwavari, asi haadzokizve; uye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti unofambisa zvinotyisa.”
Shona 2009?
Zvino nharirire yakataura, ikati, "Wakasvika hake kwavari, asi haadzokizve; uye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti unofambisa zvinotyisa."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nharirire yakataura, ikati, “Wakasvika hake kwavari, asi haadzokizve; uye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti unofambisa zvinotyisa.”