2 Kings 9:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jorami akati: Suŋgai ŋgoro! Ʋakasuŋga ŋgoro yake. Ipapo Jorami mambo waIsraeri, naAhazia mambo waJuda ʋakaɓuɗa kundosoŋgana naJehu, mumŋe nomumŋe neŋgoro yake, ʋakamuwana paɓindu raNaboti muJezreeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joramu akarayira akati, “Sungai ngoro yangu.” Zvino yakati yasungwa, Joramu mambo weIsraeri naAhazia mambo weJudha vakakwira mumwe nomumwe mungoro yake, kundosangana naJehu. Vakasangana naye pamunda wakanga uri waNabhoti muJezireeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joramu akati, “Gadzirirai.” Vakabvawo vagadzirira ngoro yake yehondo. Joramu mambo wokwaIsiraeri naAhaziya mambo wokwaJudha ndokubva vati uyu mungoro yake, uyu mungoro yake vopinda munzira kundochingurana naJehu ndiye dhuma dhuma naye pamunda waNabhoti womuJezirieri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Joramu akati, “Sungai ngoro!” Vakasunga ngoro yake. Ipapo Joramu mambo weIsiraeri, naAhazia mambo waJudha vakabuda kundosangana naJehu, mumwe nomumwe nengoro yake, vakamuwana pabindu raNabhoti muJezereri.
Shona 2009?
Ipapo Joramu akati, "Sungai ngoro!" Vakasunga ngoro yake. Ipapo Joramu mambo welsiraeri, naAhazia mambo waJudha vakabuda kundosangana naJehu, mumwe nomumwe nengoro yake, vakamuwana pabindu raNabhoti muJezereeri.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Joramu akati, “Sungai ngoro!” Vakasunga ngoro yake. Ipapo Joramu mambo weIsiraeri, naAhazia mambo waJudha vakabuda kundosangana naJehu, mumwe nomumwe nengoro yake, vakamuwana pamunda waNabhoti muJezereri.