2 Kings 9:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jorami akadzosa ŋgoro yake, akatiza, akati kunaAhazia: Tanyeŋgerwa Ahazia!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Joramu akatendeuka akatiza, achidanidzira kuna Ahazi achiti, “Tamukirwa, Ahazi!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joramu akatendeutsa bhiza rake otiza achiti kuna Ahaziya, “Kwapandukwa Ahaziya we-e!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Joramu akadzosa ngoro yake, akatiza, akati kuna Ahazia, “Tanyengerwa Ahazia!”
Shona 2009?
Ipapo Joramu akadzosa ngoro yake, akatiza, akati kuna Ahazia, "Tanyengerwa Ahazia! "
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Joramu akadzosa ngoro yake, akatiza, akati kuna Ahazia, “Tanyengerwa Ahazia!”