2 Kings 9:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehu akahwembura ʋuta bgake nesimba rose, akafura Jorami pakati pamafudzi ake, museʋe ndokuɓuɗa napamŋoyo wake, akawira muŋgoro yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehu akawembura uta hwake akapfura Joramu napakati pamapendekete. Museve wakandobaya pamwoyo wake iye ndokuwira mungoro yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehu akatatamura uta hwake nesimba rake rose akapfura Joramu pakati pamapendekete ake zvokuti museve wakabaya mwoyo wake akabva ati bvucha mungoro make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehu akahwembura uta hwake nesimba rose, akapfura Joramu pakati pamafudzi ake, museve ndokubuda napamwoyo wake, akawira mungoro yake.
Shona 2009?
Ipapo Jehu akabwembura uta hwake nesimba rose, akapfura Joramu pakati pamafudzi ake, museve ndokubuda napamoyo wake, akawira mungoro yake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehu akahwembura uta hwake nesimba rose, akapfura Joramu pakati pamafudzi ake, museve ndokubuda napamwoyo wake, akawira mungoro yake.