2 Kings 9:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehu akati kunaBidikari, mukuru wake wehondo: Musimudze, umurashire paɓindu romunda waNaboti muJezreeri; nokuti uraŋgarire kuti Jehova wakataura iɀi pamsoro pake, musi watakataȿa mabiza isu ʋaʋiri ticiteʋera Ahabi ɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehu akati kuna Bhidhikari, muchairi wengoro, “Musimudze umukande mumunda waimbova waNabhoti muJezireeri. Rangarira pataiva mungoro iwe neni tiri shure kwababa vake Ahabhu, Jehovha paakaita chiprofita ichi pamusoro pake:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehu akauudza Bhidhikari mumwe mukuru mukuru wehondo yake kuti, “Musimudze umukande mumunda waNabhoti womuJezirieri. Handiti uchiri kuyeuka shoko riya rakataurwa naTenzi nezvake paye paye pataifamba tose tiri pamabhiza takavambirana, iwe neni tiri mushure maAhabhu, baba vake pakanzi,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehu akati kuna Bhidhikari, mukuru wake wehondo, “Musimudze, umurashire pabindu romunda waNabhoti muJezereri; nokuti urangarire kuti Jehovha wakataura izvi pamusoro pake, musi watakatasva mabhiza isu vaviri tichitevera Ahabhi baba vake.
Shona 2009?
Zvino Jehu akati kuna Bhidhikari, mukuru wake wehondo, "Musimudze, umurashire pabindu romunda waNabhoti muJezereeri; nokuti urangarire kuti Jehovha wakataura izvi pamusoro pake, musi watakatasva mabhiza isu vaviri tichitevera Ahabhi baba vake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehu akati kuna Bhidhikari, mukuru wake wehondo, “Musimudze, umurashire pamunda waNabhoti muJezereri; nokuti urangarire kuti Jehovha akataura izvi pamusoro pake, musi watakatasva mabhiza isu vaviri tichitevera Ahabhi baba vake.