2 Kings 9:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona zuro ropa raNaboti, neropa raʋanakomana ʋake; ini ndicakutsiʋa paɓindu iri romunda, ndiɀo ɀinotaura Jehova. Naiɀoɀo ɀino, mutore umukandire paɓindu romunda, seɀakataurwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Nezuro ndakaona ropa raNabhoti neropa romwanakomana wake, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye zvirokwazvo ndichaita kuti iwe uzviripe pamunda uno, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ Naizvozvo zvino, chimusimudza umukande pamunda uyo, sezvakarehwa neshoko raJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Tenzi ati chokwadi chokwadi sokuona kwandakaita nezuro ropa raNabhoti nerevanakomana vake ndizvo zviri kutaura Tenzi ndichaita kuti iyewe uriripe pamunda ipo pano, ndini Tenzi ndinodaro. Saka zvino mutore umukande mumunda maererano neshoko raTenzi.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo, ndakaona zuro ropa raNabhoti, neropa ravanakomana vake; ini ndichakutsiva pabindu iri romunda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvino, mutore umukandire pabindu romunda, sezvakataurwa naJehovha.”
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha, `Zvirokwazvo, ndakaona zuro ropa raNabhoti, neropa ravanakomana vake; ini ndichakutsiva pabindu iri romunda,' ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvino, mutore umukandire pabindu romunda, sezvakataurwa naJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo, ndakaona zuro ropa raNabhoti, neropa ravanakomana vake; ini ndichakutsiva pamunda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvino, mutore umukandire pamunda, sezvakataurwa naJehovha.”